Paradza soko, kune munhu wese
Kana kuneawo, wakasungwa mwoyo
Ndimi dzewatendi, ngadzidaidzire
Munyaradz’ awuya
CHORUS
Munyaradz’ awuya, Munyaradz’ awuya
Mudzimu mutswene, chitsidzo chababa
Paradzira soko kune munhu wese
Munyaradz’ awuya
Usiku hwapera, zuva rinobuda
Ronyaradza mhere, nekutya kwewese
Muma komo ese zuva rakasika
Munyaradz’ wauya
Mambo wewa mambo,Murapi mukuru
Ipa rusununguko wabatwa wese
Nemumatirongo, rwiyo ngarwunzwikwe
Munyaradz’ awuya
Rudo runoyera, handingakwanisi
Kuti nditaure, tsitsi dzinoyera
Ini munyaradzi, ndiwe nekupenya
Munyaradz’ awuya!
Rega maungira, akwire kudenga
Watswene wedenga, wachipindurawo
Mukuimba rudo rwake rusingafii
Munyaradz’ awuya