Mudyi wenhaka ngenyi uchirara
Uchiwona musha wavepetyo
Muka umire upfeke chishangu
Chimbidza nguva yakupfuura
Ndidzi dzenyika dziri kunyongana
Dziri kubvunda kwazvo nekutya
Inzwa mzkumbo engoro dzobvunda
Mudyi wenhaka usanonoke
Usanyengedzwe nezviro zvenyika
Rufaro rwayo rwunopfuura
Siya ruchiva nepfuma yepasi
Mudyi wenhaka chisiya zvese
Misa musoro ziso ritarise
Uwone mbiri yaJesu mambo
Wona kupenya kwake kumakomo
Mudyi wenhaka imba ufare