Dombo remakore,
Ndiwigenyi kunemwi
Rega mvura neropa,
Zvakabza parutivi
Ndibatsirenyiwo,
Mundibvise zvitema
Harisi basa rangu,
Ringamufadza imi
Kusi kudisa kwanga,
Kana kuchema kwangu
Zvese hazvindisambi,
Ndimi munoponesa
Handina chekumupa,
Ndouya kum’chinjiko
Ndinoda kupfekedzwa,
Ndinokumbira tsitsi
Ndotizira kutsime,
Ndisambenyi M’ponesi
Kuti ndava parufu,
Maziso ‘ngu apfigwa
Ndosvika nyika itsva,
Ndoona muchitanga
Muridombo rekare,
Ndiwigenyi kinemwi