Jesu ari Mufudzi, anokudaidza
Mukati me-danga’mo kuchine nzvimbo.
Uya kuchinasi uno apo uchimutsva,
Pinda muiro danga, danga iro redi.
CHORUS
Nge rudo Jesu anodaidza, Mfambi zve uya zvino;
Ari kundirekerera ini, Jesu Mufudzi wangu.
Jesu ari Mufudzi, wakafira iwe
Anodaidza zvino, Mfambi uya kuneni;
Kunze kune dambuzo, uya unodanwa,
Pinda muiro danga, danga iro redi.
Pinda, usanonoke, kunze kune mhumi,
Dzinozokukuwadza, dzakapanduka kwazvo.
Jesu ari Mufudzi, anokudaidza,
Pinda muiro danga, danga iro redi.