Dyara mangwanani, mbeu’dzo dzemutsa
Dyara masikati, nemumanheru
Mira kupupura, nguva yekucheka
Tichafara nekuunza misumbu
CHORUS
Unza misumbu, unza misumbu
Tichafara nekuunza misumbu
Unza misumbu, unza misumbu
Tichafara nekuunza misumbu
Dyara mukujeka, dyara pane bvute
Usatye makore, m’basa raJesu
Basa richapera, minda yichachekwa
Tichafara nekuunza misumbu
Yenda nekuchema, dyara kuna Tenzi
Kana nekushaya kufadza kwedu
Kuti taripedza, achachingamidza
Tichafara nekuunza misumbu