SDA Shona Hymn 70

Apo Jesu anounganidza
Vanhu vese pamberi pake
Tinomira senyi mukutongwa
Pamusi werumuko rwake?

CHORUS
Achaunganidzira mapfunde
Asi anopisa hundiwo
Tinomira senyi murutongo
Rwemusi mukuru uyo?
Tinonzwa here inzwi raJesu
Muranda wakanaka iwe
Zvimwe tinodedera nekutya
Tinobviswa pahope yake
Ndizvo ngatirindire nemwenje
Iri kupenye zvakanaka
Kuti apo mukwambo auya
Tagadzirira kundopinda
Mwoyo yedu irikunangisa
Apo Jesu ari kudenga
Tinombo mirira nekutiwa
Dakara rwendo’ru rwapera

Hymn Details

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

This site uses Akismet to reduce spam. Learn how your comment data is processed.