Jesu, ndinokuda muri wangu’wo
Ndinosiya zvese zvakaipa’zvo
Mununuri wangu Muponesi’wo
Kuti ndakakuda, asi nazvino
Ndinomuda ngekuti mwakandida
Pamuchinjiko mwakandiponesa
Pamsana pangu mwakatambudzwa’po
Kuti ndakakuda, asi nazvino
Kana muupenyu, kana mukufa
Ndichakuda Imwi, mwandiponesa
Ndichiti, apo ndabatwa nerufo
Kuti ndakakuda, asi nazvino
Kumusha kwembiri, kunofarisa
Ndichakudza Imwi ikwo kudenga
Kudenga ndichaimba urwo rwiyo
Kuti ndakakuda, asi nazvino