SDA Shona Hymn 26

Sezvo ndiri, asi Jesu,
Pam'chinjiko wandifira,
Nekuti wandidaidza,
Nyenye yaMwari, ndauya
Sezvo ndiri, handiyedzi,
Moyo wangu kuchenesa,
Asi munondiyeresa,
Nyenye yaMwari, ndauya
Sezvo ndiri, ndatambudzwa,
Nekutya nekupokana,
Zvepasi zvinondiyedza,
Nyenye yaMwari, ndauya
Sezvo ndiri, ndinoshaya,
Ndine hurombo, hwebofu,
Asi zvese munondipa,
Nyenye yaMwari, ndauya
Sezvo ndiri, ndinouya,
Kuti mundisunungure
Ngekuti ndinodawira,
Nyenye yaMwari, ndauya
Sezvo ndiri, rudo rwako,
Rwandikurira mumoyo,
Ndiri wako wega zvino,
Nyenye yaMwari ndauya

Hymn Details

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

This site uses Akismet to reduce spam. Learn how your comment data is processed.