1. IMBIRAI mese,
Farirai kuti
Nhamo dzakatandwa
Kuna Vamatari.
Mbiri yokudenga
Vagashira nhasi,
Nhamo dzakapera,
Vanofara vese.
2. Vakashinga vese
Mukutambudzika.
Mahwe, pfumo mwoto,
Mahwe, pfumo mwoto,
Havasakazvitya;
Rurunziro rwese
Rwakakundwa ndivo,
Rudaviro rwavo
Rwawanisa Tenzi.
3. Vakaona nyika
Ine mbiri yese
Apo vakuriri
Vanomira zvino.
Kunyika’yo, hama,
Ngativatevere;
Takurira isu,
Tizofara navo.