1. JESU Zita rakanaka!
Kurinzwa kunotifadza
Asi kuona Iyewo
Kunotifadza zvikuru.
2. Hakuchina Izwi rimwe
Ringatifadze seiri.
Kuti tafunga Zita’ro
Tinosimbiswa tikunde.
3. Jesu! Chivimbo chavanhu,
Mufudzi wavapinduki;
Unenyasha kunevese
Vanonyanya kukutsvaka.
4. Mazwi haangatiudzi
Rudo rukuru rwaJesu,
Asi vanodiwa vake
Vanoziva urwo rudo.
5. Jesu Mambo anesimba,
Mukuriri wakakunda;
Iwe wakanaka chose
Wakanatsokutifadza.
6. Tenzi nhasi gara nesu
Tizadze nenyasha dzako.
Mweya yedu ngaigutswe
Nokunaka kwako kwese.