Anglican Shona Hymn 51

M’PONISI unopa vanhu
Zvipo zvese zvakanaka,
Mudiwa wavanhu;
Jesu tauya kunewe,
Inzwa zvikumbiro zvedu
Tiri kukutsvaka.
 
Tinoziva mhosva dzedu
Dzepfungwa, mazwi, nebasa;
Takatadza tese;
Uchenure hana dzedu,
Dzorera vanopinduka,
Uvasunungure.

 
 
Kuti uchiramba isu
Tingabatsirwe ndiani?
Iwe Muponisi:
Suka mwoyo yakasvipa,
Tambira vanochemera
Zvinyangadzo zvavo.
 
Ngekutsanya kwako kare
Wakapa muenzaniso
Mukutsanya kwedu;
Tipe tizvirambe zvino,
Ndizvo tifare pamusi
Wokumuka kwako.

 
A! Utatu Hunoyera
Tipe tsitsi dzako zvino,
Tikotse narini;
Kuti tamuka mukufa
Tikuimbire kudenga
Navatsvene vako.

Hymn Details

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

This site uses Akismet to reduce spam. Learn how your comment data is processed.