Kana makatambudzwa kwazvo,
Munoda kusunungurwa,
Chirangarira Shoko raShe,
Nyasha dzaShe dzakakwana!
KORASI
Nyasha dzaShe dzakakwana.....
(She dzakakwana)
Nyasha dzaShe dzakakwana.....
(She dzakakwana)
Mukati memifaro kana nhamo,
Nyasha dzaShe dzakakwana!
Satan anondinetsa chose,
Asi ndinorangarira,
Mukati menhamo mis’ yose,
Nyasha dzaShe dzakakwana!
Chikepi changu chinonetswa,
Nemhepo yavakaipa;
Asi kunaShe ndozvipira,
Nyasha dzaShe dzakakwana!
Kana upenyu hwakapera,
Ndichagogara kudenga,
Mazuva ose ndomuvonga,
Nyasha dzaShe dzakakwana!