Watakura zvivi Jesu
Zvisi zvivi zvake,
Akaripa mhosva Jesu
Isimhosva yake.
Waiva munhu ane nyasha,
Asina kutadza,
Raparara ropa rake,
Wakanaka Iye.
Kudarika kwedu kwose
Kwakanyorwa naye,
Nemhosva dzedu dzose wo,
Dzakanyorwa naye.
Taregerwa taponeswa,
Nezvirwadzo zvake,
Tinoshambwa pakuipa
Nero ropa rake.