Ndichaimba nyaya huru,
Kristu wakandifira,
Akasiya musha wake
Kusvika pam’chinjikwa.
KORASI
Ndichaimba nyaya huru,
Kristu wakandifira,
Ndichaimba navatendi,
Pamwe chete kumsoro.
Ndarasika andiwana,
Akawana makwa-i,
Akandibata norudo,
Akandiuyisa zve.
Ndarwara; andiponesa,
Ndakaziya nokuwa,
Kuona kwapera; ndatya,
Bva andisunungura.
Achandichengeta, rufu
Ruchisvika kwandiri;
Achandiperekedza ’ko;
Ndichaona shamwari.