Kana Jesu wotaura, Chiuya!
Kana tokunamatira, Chiuya!
'Nguva kuva waShe Jesu, Chiuya!
'Nguva kumuziva Jesu, Chiuya!
Wakaremererwa, here? Chiuya!
Jesu wotakura zvose, Chiuya!
Jesu haakunyengeri, Chiuya!
Jesu anokugam’chira, Chiuya!
Wonyunyutire-i zvino! Chiuya!
Woite-i usina She? Chiuya!
Mwoyo wake unokuda, Chiuya!
Unomutizire-i ko? Chiuya!
Wafamba kure naIshe, Chiuya!
Waparadza pfuma yake, Chiuya!
Rega kuomesa mwoyo, Chiuya!
Jesu anoregerera, Chiuya!