Sezva ndakada-i, Jesu,
Ndisina chinhu pachangu,
Makafira zvivi zvangu,
Gwayana raShe, ndouya.
Sezva ndakada-i, Ishe,
Ndisingambozviponesi,
Imi moga munganatse,
Gwayana raShe, ndouya.
Sezva ndakada-i, Jesu,
Handizivi nzira yangu,
Ndinorwa mumwoyo wangu
Gwayana raShe, ndouya.
Sezva ndakada-i, Jesu,
Ndogam’chira rudo rwenyu,
Ndiri wenyu; muri wangu,
Gwayana raShe, ndouya.