Paradza-i Shoko kuna vanhu vose
Kwose-kwose kuna vanotambudzika,
Kune ndudzi dzose; Shoko romufaro,
“M'nyaradzi wauya.”
KORASI
M’nyaradzi wauya,
Wabva kudenga 'ko,
Mweya Mutsvene wo,
Chipikirwa chaShe;
Paradzai Shoko kuna vanhu vose,
M'nyaradzi wauya.
Kana mune rima, chiedza chauya,
Kutivenekera, Kutipa upenyu,
NdiJesu Kristu 'She, wakatitumira,
“M'nyaradzi wauya.”
Ishe wamadzishe waswedera pedyo,
Kusunungurawo, vose vakasungwa,
Tichafara navo, vakasunungurwa,
“M'nyaradzi wauya.”
Tendei, tiparadzei; Mashoko anzwike,
Vazhinji vatende; vazhinji vazadzwe,
Kuti vagoziva simba ratapiwa,
“M'nyaradzi wauya.”