Ndichaimba zvaShe Jesu,
Zvaakada neniwo,
Wandifira‘po padanda,
Wandisunungura wo.
KORASI
Imba neni zvaShe Jesu
Wandifira neni wo;
Wakaripa mhaka dzangu
Wandisunungura wo.
Ndichasizivisa vamwe
Zvandatengwa naye She,
Wakazondinzwira ngoni
Wandidzikinura zve.
Ndichakudza Jesu wangu,
Une simba guru sei!
Ungandikundisa zvivi,
Rufu rungandiitei?
Ndichasiimbira iye,
Muchengeti wangu wo,
Unozondiperekedza
Kundisvitsa ikoko.