Ndinomuona Jesu
Mokwira pakubwinya,
Bva ini ndichi mweni
Panyika yokuchinya.
Ndofamba ndichishuva
Kutama rimwe zuva.
Bva kana ndichishuva
Ndinoti: “Dotarirai
Zvomwana wenyu, Mambo,
Pandichamugarira.”
Ndokunzwa inzwi:
“Mwanangu,
Ndinokuziva hangu.”
Ipapo ndinoona
Zvenyika yakanaka,
Pandichagara nemi,
Ndikabvisirwa mhaka,
Ndina vatsvene venyu
Kumusha woupenyu.
Hakune rima uko
Nenhamo nokurwara
Bva zvose zvakanaka
Kubwinya nokufara
Ngative vobwo nesu
Kudenga kuna Jesu.
Zvamakaenda, Jesu,
Muchadzokera pano.
Tipei tigofamba
Samakatipa mano.
Okusvinura kwazvo,
Tambofukidzwa hazu.