SHE wangu wakarobwa
Nokutambudzwa,
Musoro wakabayiwa
Neiya minzwa!
Nezuva rokuguma
Muchakudziwa,
Bva zvino navatadzi
Munosekiwa.
Pamberi penyu, Jesu,
Ndowira pasi,
Ndichikumbira nyasha,
Musandirasha!
Chiso chakanakisa
Chachenuruka,
Meso akasibwinya
Anokaruka.
She, munosenga zvino
Matadzo angu.
Ndaifanira ini
Kurohwa hangu.
Ndichiremerwa nawo,
Ndinotizira
Kwomuri Muchengeti.
Muchindifira.
SHE Jesu mukudziwe
Makandirwira.
Mundipewo zororo,
Ndovimba nemi,
Ndinoda kunamata.
Murwiri wangu, SHE.
Norufu ndichibatwa
Mamuri ndifewo.