Ngatirumbidze Mwari
Woushe bwokudenga,
Pam’soro pezvorudo
Nenyasha dzake huru.
Wakapa nyika yose
Mufaro norugare.
E vanhu, ngatifare.
Tigwadamire Bambo
Vesimba rose rose,
Tikudze zita ravo
Nokuti vane ngoni.
Vanonzwa mikumbiro
Yavanomushumira
Nemwoyo inovada.
SHE Jesu Mwana wavo
Wakada kutirwira
Nokutidzikinura,
Tizarurirwe denga.
Wakatifira tose,
Tigova noupenyu
Husingatongoperi.
E, Mweya wezvokwadi,
Natsai mwoyo yedu!
Igova dzimba tsvene
Dzokudzidzisa Mwari.
Tichinyaradzwa nemi
Tirambe tichivimba
NaJesu SHE zvokwadi.