Vaudzei vasingazivi, Kristu
ndiye SHE,
Vaudzei, vaudzei!
Vaudzei vendudzi dzose,
vamurumbidzei,
Vaudzei, vaudzei!
Vaudzei vanhu vose vamuterere,
SHE wesimba nokubwinya
ndoworugare;
Vaudzei, nyangwe dutu richirirapo.
Kuti Tenzi wamafungu ndiye
Tenzi weduwo.
Vaudzeiwo, Muchengeti wedu
ndiye SHE,
Vaudzei, vaudzei!
Vaudzei vendudzi, vagosunungurwazve,
Vaudzei, vaudzei!
Vaudzei vanochema, Jesu
mupenyu,
Vaudzei vakanyara, vazorodzwewo!
Vaudzei vachinyi, kuti wazorwiresu.
Vaudzei vanofa, kuti watokunda
bwirowo!
Vaudzei SHE wakabata ushe ikweyo!
Vaudzei, vaudzei!
Vaudzei zvoushe bwake, ndobworudowo,
Vaudzei, vaudzei!
Pamigwagwa, uye nzira, chidovaudzai!
Pamakomo napagungwa, chidovaparidzai!
Sokuwungawo kwemvura ngatidanesu,
Mawungira agonzwika napazviwi zvosewo!