Sarai neni, kwavira zvi.....no,
Kwasviba, SHE, mugare pa...no;
Hakuna vangabetsere.....ni,
Uya-i mugosara ne.....ni!
Upenyu hwuno hunope.....ra,
Mufar’ wenyika wotoe.....nda;
Kuora ndinoona kwo.....se,
Musingafi, musare ne.....ni!
Ndinomuda mazuva o.....se,
Imi makunda zvivi zvo.....se;
Mungandirwira moga i.....mi,
Mis’ yose mugosara ne.....ni!
Handingatyi muchipandi....ri,
Mapfumo ambokundwa ne.....mi;
Rufu haruchazondirwa.....dzi;
Ndokunda muchisara ne.....ni
Ndione chinjikano ye.....nyu,
Ndichisvikirwa narwo ru....fu;
Chiedza chenyu chindisvi...tse
Kudenga, kwamuchava ne.....ni!