RCZ Hymn 132

Ndakarwirwa nemi, Jesu;
Ndakatengwa ha.....ngu!
Ndinotenda Shoko renyu,
Handizovi wa.....ngu!

KOROSI
Ndakasunungurwawo,
Jesu, ndava we.....nyu,
Zvose zvose ndozviisa
Pamakumbo e.....nyu.

Ndakarwirwa, zvino, Jesu.
Ndinozvipa ha.....ngu;
Ndodo kumutenda chose,
Handizovi wa.....ngu.

Ndakarwirwa, simba rose
Ndakapa SHE wa.....ngu.
Kushumira iye oga,
Handizovi wa.....ngu.

Ndakarwirwa, ndava waSHE,
Chose paruzi.....ma;
Ndichandomuona uko,
Ndigomurumbi.....dza.

Mweya Wakashananguka.
Zadza mwoyo ye.....du;
Kuti tose tigoreva:
Hatizovi ve.....du!

Hymn Details

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

This site uses Akismet to reduce spam. Learn how your comment data is processed.