RCZ Hymn 22

Tarirai zviri kudenga,
Zuva, mwedzi, nyeredzi!
Muchida kuzviverenga
Hamungazvipedzi' zvi.
Kunyanguva zvakawanda,
Mumwe unozvifambisa,
:/: Mwene wazvo uripo! :/:

Tarirai zvenyika Zvose
Miti, nzizi, mabwewo,
Uswa hunomera pasi,
Mvura yomudenga'mo;
Mwoto, rima, uye dova!
Mhepo, chando chinorova!
:/: Mwene wazvo uripo! :/:

Tariraiwo zvinofamba,
Nzou nen'ombe, mhukawo;
Ngwena, hove, zvoshambira,
Zvinobhururuka'po!
Zvose nokuwanda kwazvo,
Unozvipa kudya kwazvo! :/:
:/: Mwene wazvo uripo!

Tarirai navanhu vose,
Mungarava ndudzi pai?
Uye riya boka rose
Mukudenga ravanyai?
Bambo vanotida tose,
Vanotaririra zvose,
:/: Mwene wedu uripo! :/:

Hymn Details

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

This site uses Akismet to reduce spam. Learn how your comment data is processed.