United Methodist Shona Hymn 305

O Jesu muri nheyo yechechi yenyu kwese
Chisikwa chenyu chitsva cheizwi renyu imi
'Zvo imi makadzika kofira chechi yenyu
Muchibva maitenga neropa rinokosha

Marudzi ese ese anoda chechi imwe
YaTenzi umwe chete nerudaviro rumwe
Muzita rinoyera obarwa patsva ese
Nekudya chidyo chimwe semhuri yenyu imwe.

Yomira zvino chechi kuwona runyararo
Mushure mebopoto rekurwa nezvitadzo,
`Po runyararo rwega rwotonga chechi yenyu,
Yakunda nhamo dzese nembiri yenyu huru.

NdiMwari muri Umwe Vatatu pamwe chete,
Munochengeta vese vatendi kuti vafa,
Dai isu tazoita sevamwe vakakunda
Tichazogara nemi seavo vanotenda.

Hymn Details

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

This site uses Akismet to reduce spam. Learn how your comment data is processed.