Ndinomira paJordani
Nekunangisisa
Kunyika'yo yeKenani
Uko kune musha
CHORUS
Tichazorora kunyika iyo
Nguva shoma tichazorora
Toimba rwiyo rwaMozisi naJesu
NaJesu tichazogara
Kumapomo akanaka,
Kuriko kupenya
Uko Kristu anotonga,
Hakuchina dima
Ndichasvikako riniko
Nekukomborerwa
Nekuwona Baba wangu
Naiye kugara
Mwoyo wangu wafarira
Unoda kuenda
Handityi chinhu chouya
Ndashinga kufara.