Baba tinounza zvipo
Kufambisa basa renyu
Tinounza nekufara
Takakomborerwa nemi
Tipei mwoyo yechisepe
Kune vese varasiki
Kuti mune vane nzara
Munavapa zvipo zvedu
Asi tinotenda imi,
Tinomuimbira nhasi,
Hatimbokanganwi vamwe
Vanogara mune dima;
Torai zvipo zvedu, Baba,
Tinomupa nekufara,
Tumai vafundisi nazvo,
Ngavadzidze nzira dzenyu
Zvipo zvedu zvenyamusi,
Ngazviende kuvarombo,
Ngazvitore rudo rwenyu
Kune avo vari kure;
Havazivi Jesu Kristu.
Havazivi ruponeso,
Baba, tumai izvi zvipo
Kune avo vanoshaya.