Pane nzvimbo yakanaka
Padyo naBaba wedu
Mweya ine ruzororo
Padyo nababa wedu
CHORUS:
O Jesu mununuri
Makatumwa pasi pano
Mutikwenzedze isu
Tigare padyo naBaba wedu
Pane nzvimbo yerufaro
Padyo naBaba wedu,
Tina Jesu Kristu apo,
Padyo naBaba wedu
Zvinyangadzo hazvigari
Padyo naBaba wedu,
Asi zviro zvakanaka,
Padyo naBaba wedu.
Ngatigare nguva dzese
Padyo naBaba wedu,
Isu tinokokwa ndiye,
Padyo naBaba wedu.