Jesu ndishamwari wedu
Mutakuri wakanaka
Tinokomborerwa kwazvo
Tine hama yakadai
Kuti tichimukumbira
Anofadzwa kupindura
Anotipa zvakanaka
Hatichazoshayi chiro
Kuti tine dambudziko
Kana tine rurunziro,
Hatizovi neurombo,
Tinotenda kuna Jesu;
Hatiwoni imwe hama
Yakanaka kunga iye,
Anoziva vanhu vese,
Mukumbire, anokunzwa
Kuti tisisine simba,
Rekuita basa redu,
Jesu anotibatsira,
Anotipa simba rake;
Kana kuti takatukwa,
Tinonyararidzwa ndiye,
Jesu ndishamwari yedu,
Rudo rwake rwakanaka