Radoka zuva garai neni Tenzi
Dima rasvika Tenzi garai neni
Panguva yekurara ino Baba
Ngandikotseke nekusingaperi
Ngandimutsvake nguva dzese, Tenzi,
Netsitsi dzenyu dzakazondipfuwa,
Netsitsi dzenyu ndakapiwa zvese,
Mudima guru, garai neni, Baba.
Handichakutyi kuipa, Baba wangu
Handina nhamo kana neurombo,
Nerufo harutyisi mweya wangu,
Mudima guru, garai neni, Baba.
Ngandipangidzwe nzira yakanaka,
Chenayi, Tenzi, mune mwoyo wangu,
Kuedza kwenyu ngakudzinge dima,
Mudima guru, garai neni, Baba.
Upenyu hwedu hunopfupisiswa,
Rufaro rwedu ruchapera pasi,
Zvese zvepasi zvichatsakatika,
Mudima guru, garai neni, Baba.