Unoneta here hama unotambudzika
Jesu wati ndinokupa ruzororo
Anoramba kutambira vanouya here?
Kwete, Jesu anodisa vanhu vese.
Ane chiwoneso here kuti ndimuziwe?
Hunde, pamavoko ake nemakumbo.
Anozonditungamira kune denga here?
Hunde, anondichengeta nzira dzese.
Kuti ndichimutevera ndinopihweyiko?
Simba rekukunda Satani nguva dzese.
Kuti ndichimubatsira ndinowaneyiko?
Mwoyo wakakomborerwa neupenyu.
Pakuguma kweupenyu ndinowaneyiko?
Ndinogara nhaka naye kune denga.