Jesu M'ponesi wangu wainga muguva
Kuumirira musi werumuko rwake
CHORUS:
Wakazomuka mukufa
Wakakunda mhandu dzake dzese
Wakamuka achibuda muguva
Akakwira denga achigarayo
Wamuka wamuka aleluya wamuka
Wakarinama guva nekuririnda
Kuti asambobuda mune guva rake.
Rufo rwashaya simba kukunda Mambo,
Nembiri yake, Mwari, guva ratsemurwa.