Haleluya, wakamuka ngaaridzwe mabhero
Haleluya, wakamuka Muponesi wevanhu
CHORUS:
Imbayi vanhu mese muchiti nemasimba,
Wakamuka wakamuka kugara narini
Haleluya, wakamuka, 'po dombo rakabva,
Haleluya, wakmuka, rukundo rukuru.
Haleluya, wakamuka, wabuda muguva,
Haleluya, wakamuka, nesimba raMwari.
Haleluya, wakamuka, tofara zvikuru,
Haleluya, wakamuka, M'ponesi mupenyu.
Haleluya, wakamuka kutipa masimba,
Haleluya, wakamuka, kutipa hupenyu.
Haleluya, wakamuka, kutonga naBaba,
Haleluya, wakamuka, kutikumbirira