United Methodist Shona Hymn 68

Ndiudze nyaya yaJesu
Yezvinhu zvekudenga
Yembiri yake Jesu
Nekunakisa kwake
Ndiudze nyaya kwadi
Sekunga mwana wako
Nekuti ndiri mwana
Muzvinhu zvekudenga

CHORUS:
Ndiudze nyaya yaJesu
Ndiudze nyaya yaJesu
Ndiudze nyaya yaJesu
Yerudo kune vese

Ndiudze nyaya yaJesu,
Yemazwi akanaka,
Nekuti ndinoida
Nemwoyo wangu wese;
Inondifadza kwazvo
Kuziva kuti Kristu,
Zvowakadzika pasi,
Nekuti wakatida.

Ndiudze nyaya yaJesu,
YaMuponesi wangu,
Waradzikira pasi
Hupenyu hwake ndini;
Ndinoshamiswa kwazvo
Nerudo rwakadaro,
RwaMwari, Baba wedu,
Kutipa mwana wake.

Hymn Details

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

This site uses Akismet to reduce spam. Learn how your comment data is processed.