Inzwai chiyi ayo mazwi
Anoimba kumusoro?
Ingirozi dzinofara
Dziri kuimbira Jesu
Inzwai! Zvino mazwi adzo
Dzinoimba zvakanaka
Rutunhidzo kunaJesu
Nerufaro pasi pano.
Pasi pese nekudenga
Ngazvikudze Jesu Kristu,
Ngatimutambire Mambo,
Muprofiti naM'ponesi.
Chimbidzayi kuwombera,
Remedzayi zita rake,
Taurayi kune vese
Kuti ari Mambo wavo.