Vacheki varipi vanocheka
Misumbu inochekwa kuminda
Nemajeko basa ngariitwe
Usamire dakara tapedza
CHORUS
Varipi vacheki, Ndiyani o’ya anotibatsira
Ndiani achatibatsira, kuunganidza iyi mwanda
Endanyi munzira mundotsvaka
Mbeu ingakure mune zvtse
Tswakai kwese musingasiyi
Unganidzai vese kumusha
Minda yaku ibva kwese kwese
Pasi rakamirira kuchekwa
Vacheki vashoma, basa iguru
Tikanonoka tinozoshaya
Vana vevanhu unzanyi majeko
Muvunganidze mbewu dzaTedzi
Batai basa Tenzi auye
Mozopiwa rufaro kuenga