Nguva’yo yekunamata,
Naiyo takomborerwa,
Inotipa kukumbira,
Kuna Baba wekudenga,
Munguva dzekutambudzwa,
Mwoyo yedu yanyaradzwa,
Yapukunyuka kubatwa,
Ne’yo nguva yekutenda
Nguva’yo yekunamata ,
Tapinda’vo kukumbira ,
Kuna Iye warindira ,
Isu kutikomborera ,
Ngekuti wandidaidza ,
Mutsa wake ndasimbira ,
Vachabvisa zvakaipa ,
Panguva yekunamata
Nguva’yo yekunamata,
Ndinodisa kunyaradzwa,
Sepagoma’ro rePisgah,
Ndoona musha kudenga,
Murumuko rwekusafa,
Chipo changu ndichapiwa,
Ndichati apo ndakwira,
Ndapinda ngekunamata